Psalms 35

Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni;
rwisai avo vanondirwisa.
2Torai nhoo huru neduku;
simukai, uye uyai mundibatsire.
3Vheyesai pfumo guru nepfumo diki
murwise avo vanonditevera.
Muti kumweya wangu,
“Ndini ruponeso rwako.”

4Vanotsvaka kundiuraya
ngavazvidzwe uye vanyadziswe;
vanorangana kuparadzwa kwangu
ngavadzoserwe shure vachitya.
5Ngavaite sehundi pamberi pemhepo,
mutumwa waJehovha achivasundira kure;
6nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze,
mutumwa waJehovha achivateverera.

7Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva,
uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,
8kuparadzwa ngakuvawire pakarepo,
mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo,
ngavawire mugomba ravo vaparare.
9Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha,
uye uchafarira ruponeso rwake.
10Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti:
“Ndianiko akaita semi, Jehovha?
Munonunura varombo kubva
kuna avo vane simba kupinda ravo.”

11Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi;
zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.
12Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa,
uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.
13Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga
ndikazvininipisa nokutsanya.
Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,
14ndakafamba-famba ndichichema
kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu.
Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema,
sokunge ndinochema mai vangu.
15Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara;
varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi.
Vakandireva vasingaregi.
16Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo;
vakandirumanyira meno avo.
17Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira?
Nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo,
noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
18Ndichakuvongai paungano huru;
ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19Ngavarege kufara pamusoro pangu
avo vanondivenga ndisina mhosva;
vanondivenga ndisina mhosva
ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.
20Havatauri norugare,
asi vanofunga kupomera mhosva
pamusoro pavanogara norunyararo munyika.
21Vanondishamira miromo yavo vachiti,
“Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”

22Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara.
Regai kuva kure neni, imi Ishe.
23Mukai uye simukai mundirwire!
Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.
24Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu;
musarega vachifara pamusoro pangu.
25Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro,
ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”

26Vose vanofarira kutambudzika kwangu
ngavanyadziswe uye vanyonganiswe;
vose vanozvisimudzira pamusoro pangu
ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.
27Vose vanofarira kururamisirwa kwangu
ngavapembere nomufaro nokufarisisa;
ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe,
iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”

28Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu,
uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.
Copyright information for SnaBDSC